Texty

Hmmm muzukuru wangu hauna chawakaona
Vezera renyu ava ndohwa tsitsi
Nekuti havana zvavanoziva
Makare kare edu isusu, tichararama
Tichiri majaha kwaive neyainzi pungwe
Ahhhh muzukuru Pungwe yaivunganidza vose
Vomarudzi ose
Vakobvu navatete
Hofori yerume, isusu ka nendonda
Taiti kana taungana waihwa podandauka
Vachiridza vana gwenyambira kunyatsohwa kukwenya
Vose vakafa vaya waiwona kuti haaa hapana chavakaona
Ndiko kusaka vari kumuka vachiita zvipoko
Nekuti Pungwe yainaka
Pungwe yaidandauka
Waingozoyerekana kwayedza
Husiku hwose ingori dhiga dhiga, dhiga dhiga
Vakadzi, kwete vakadzi
Mazigadzi ane huhlegu hlegu
Zvinhu zvichinyatsa kuendeka
Hapana waisara ane mari
Hapana itobvumidzwa kusara ane kana
Taizofamba kubva pano kusvika kuGokwe uko
Yadhliwa yose
Ndoyaihii pungwe
Nyatsogara pasi
Nyatsogara pasi ndikuonese nekuti ivo mbuya vako avo
Ndokwandaka vaonera
Asi havadi kuyihwa nyaya iyoyo
Zvaunoona vaakunamata kudai
Nyatsogara pasi ndikutsanangurire
Nyaya yePungwe
Written by: Philip Chard, Rodney Rymez Hwingwiri, Simba Tagz
instagramSharePathic_arrow_out

Loading...