Credits
PERFORMING ARTISTS
Winky D
Vocals
COMPOSITION & LYRICS
Wallace Chirumiko
Composer
PRODUCTION & ENGINEERING
Oskid
Producer
Lyrics
Jah know
Pabho
Oskid
Lyaan
Meso tinawo tinomaonesa zvisizvo
Makumbo tinawo tomaendesa kusiriko
Hana tinadzo dzinorovera zvisiko
Pfungwa tinadzo tinongofunga zviripo
Zvisina dikita rangu kani maoko angu siya
Zvisina kuda kwangu moyo wangu siya
Rusiri rwendo rwangu kani makumbo angu mira
Asiri mashoko angu muromo wangu pfira
Haiwa chingoramba (haa-ah-ah-ah)
Haiwa chingoramba (haa-ah-ah-ah)
Iwe meso chingoramba (haa-ah-ah-ah)
Makumbo chingoramba (haa-ah-ah-ah)
Humwe huranda hunouya nekuda kugamuchira
Dai wavhura meso unofa munzira
Zvimwe zvino nyudza buda munzira
Ndamba kuudzwa akasiya jira
Zvinoyevedza zvine kakuvharira
Saka pakutambira ngwarira
Kugona ngoma huipfavira
Unofira mukuravira
Zvisina dikita rangu kani maoko angu siya
Zvisina kuda kwangu moyo wangu siya
Rusiri rwendo rwangu kani makumbo angu mira
Asiri mashoko angu muromo wangu pfira
Haiwa chingoramba (haa-ah-ah-ah)
Haiwa chingoramba (haa-ah-ah-ah)
Iwe meso chingoramba (haa-ah-ah-ah)
Makumbo chingoramba (haa-ah-ah-ah)
Musandisiye ndichiita zvandisingazogona
Tsoka usandiendese kwandinono chona
Ziso tarisa zvimwe handidi kuona
Chandinongochemera kupona
Tinofira kusada kuva shure
Asi mberi kune rufu mhanduwe
Asi hatidzokere shure
Moyo wangu ndibatsire ndinyumwe
Zvisina dikita rangu kani maoko angu siya
Zvisina kuda kwangu moyo wangu siya
Rusiri rwendo rwangu kani makumbo angu mira
Asiri mashoko angu muromo wangu pfira
Haiwa chingoramba (haa-ah-ah-ah)
Haiwa chingoramba (haa-ah-ah-ah)
Written by: Wallace Chirumiko

