크레딧

실연 아티스트
Mai Olivia Charamba
Mai Olivia Charamba
리드 보컬
Fishers of Men
Fishers of Men
실연자
M.Charamba
M.Charamba
실연자
작곡 및 작사
M.Charamba
M.Charamba
작사가 겸 작곡가
Charles Charamba
Charles Charamba
작사가 겸 작곡가
프로덕션 및 엔지니어링
Charles Charamba
Charles Charamba
프로듀서

가사

Tingafara zvedu kuya kunonzi kufara
Tingafara zvedu kuita zvese zvatinoda
Asika zivai munhu mumwe nemumwe
Kuti tichafa tose tichisiya nyika
Tingafara zvedu kuya kunonzi kufara
Tingafara zvedu kuita zvese zvatinoda
Asika zivai munhu mumwe nemumwe
Kuti tichafa tose tichisiya nyika
Ungafuma zvako kuya kunonzi kufuma
Ungafuma zvako kuwana zvese zvaunoda
Asika zivai munhu mumwe nemumwe
Kuti tichafa tose tichisiya nyika
Ungafuma zvako kuya kunonzi kufuma
Ungafuma zvako kuwana zvese zvaunoda
Asika zivai munhu mumwe nemumwe
Kuti tichafa tose tichisiya nyika
Kufa hama yangu hakunei nehufumi hwako
Kuziva kwako kana kukura kwako
Chaungaita chete ndiko kugaro ziva
Kuti pasi rino idandaro
Kufa hama yangu hakunei nehufumi hwako
Zvirongwa zvako kana kukura kwako
Chaungaita chete ndiko kugaro ziva
Kuti pasi rino idandaro
Dzaivepo hama neshamwari dzedu
Dzakasiye nyika nyangwe zvazvo yaifadza
Hama ngatizivei chinhu chimwe chete
Kupinda muguva hakuna unoramba
Dzaivepo hama neshamwari dzedu
Dzakasiye nyika nyangwe zvazvo yaifadza
Hama ngatizivei chinhu chimwe chete
Kupinda muguva hakuna anosarudza
Akawanda kwazvo makuva anevapfumi panyika ino
Vamwe vaizvidza hama dzavo
Nokuda kweiko? Nokuda kwekunyengerwa nenyika
Hama zivai pasi idandaro
Akawanda kwazvo makuva anevapfumi panyika ino
Vamwe vaizvidza hama dzavo
Nokuda kweiko? Nokuda kwekunyengerwa nenyika
Hama zivai pasi idandaro
Denga raMwari, denga rakamirira munhu
Nero gehena, gehena rakamirira munhu
Ko iwe hama yangu, ko iwe hama uchaendepiko?

Written by: Charles Charamba, Mai Charamba
instagramSharePathic_arrow_out

Loading...