album cover
Denga Ratsamwa
758
Religious
Denga Ratsamwa was released on August 31, 2018 by Diamond Studios as a part of the album Gudo Muriwo (feat. Njanja Express)
album cover

Credits

PERFORMING ARTISTS
Mark Ngwazi
Mark Ngwazi
Performer
COMPOSITION & LYRICS
Mark Ngwazi
Mark Ngwazi
Songwriter

Lyrics

Kana chiri chokwadi kudenga kuchapindwa nehutsvene
Vazhinji panyika tichaita rekupaza
Kana chiri chokwadi kudenga kuchapindwa nehutsvene
Vazhinji panyika tichaita rekupaza
Kutadza kwenyu kwandifungidzisa Sodhoma neGomora
Murume nemurume kubhebhesana murudo
Varoyi vari kudya vanhu kunge vari kudya chingwa
Vachikanganwa kuziva panyika tiri parwendo
Vazhinji vataiyamura tichiti vane mari
Kudzimba havasi kurara vachiyamwiwa nenyoka
Denga ringafare seiko hamawe nesatanism yoitwa zuva nezuva
Yave nguva yemagumo, nyika dzomukirana, Xenophobia paJoza magwaro azadziswa
Yave nguva yemagumo, ane ziso remweya ngaaringe kugungwa chikara chasimuka
Tiregererei Mwari kani takakanganisa, takanamata chikara nekuda kwemari
Varegererei Mwari kana hapana chavanoziva, vanonamata chikara nekuda kwemari
Dave Amos Bindura, Munya Goldfinger, Taitezvi Gweli Mutare rebrown
Mutsutsu Regi-Regalo Itayi Munhenzva, Born Murenje Born-Born
Thomas roadrunner Gongwe, Boss Njuga Manex, Albert Chanachimwe, Admire Gwara
Boss Lala Nyamondera, Mark Ngwazi Njanja Express, Lago ajajiyo, accelerando
(Pamakuru mambo padzvanya)Tapiwa Mucheketerwa pagomba, godi kwamai Cecilia
Mwari zvamakati pamuri pese ndiripo, avo vanoti achauya musi weChina kubvepiko?
Mwari zvamakati pane vatatu ndiri wechina, vanoti achauya musi weChina kubvepiko?
Vanhu zvamunoti gehena ririko kudenga, avo vakagocha vamwe paJoza ndevapi nhai vaMunhenzva?
Vanhu zvamunoti gehena ririko kudenga, avo vakagocha vamwe paJoza ndevapi nhai Bhozhongora?
Saka denga ratsamwa(Denga ratsamwa)
Saka denga ratsamwa(Zveshuwa Mwari vanotsamwa)
Saka denga ratsamwa(Mwari vanoranga)
Saka denga ratsamwa(Kusvika kurudzi rwechina)
Mwari zvamakati nyoka nemunhu zvichava vavengi, avo vogara nadzo kudzimba dzavo ndevapiko?
Mwari zvamakati nyoka nemunhu zvichava vavengi, avo vogara nadzo kudzimba dzavo ndevapiko?
Mwari zvamakati baranaiwo muwande, avo vobvisa mimba pakati pedu ndevapiko?
Mwari zvamakati baranaiwo muwande, avo vobvisa mimba pakati pedu ndevapiko?
Saka denga ratsamwa(Denga ratsamwa)
Saka denga ratsamwa(Machinda denga ratsamwa)
Saka denga ratsamwa(Denga ratsamwa)
Saka denga ratsamwa(Kutonaya kwemvura inyashawo)
Zvakaipeiko kukwira ndege toshanya, avo vokwira tsero pakati pedu ndevapiko?
Zvakaipeiko kukwira ndege toshanya, avo vokwira tsero pakati pedu ndevapiko?
Zvakaipeiko kuti tikohwe kwatarima, avo voumburuka muminda yevamwe ndevapiko?
Zvakaipeiko kuti tikohwe kwatarima, avo voumburuka muminda yevamwe ndevapiko?
Saka denga ratsamwa(Denga ratsamwa)
Saka denga ratsamwa(Machinda denga ratsamwa)
Saka denga ratsamwa(Kana denga ratsamwa)
Saka denga ratsamwa(Kutonaya kwemvura inyashawo)
Kutadza kwataita panyika ino, ndageza maoko saPirato ndeya ndeya
Kutadzawo kwataita panyika ino, ndageza maoko saPirato ndeya ndeya
Kutadza kwataita panyika ino, zvandifungidzisa munguva yaNoah ndeya ndeya
Kutadza kwataita panyika ino, zvandifungidzisa munguva yaNoah ndeya ndeya
Inzwa zvakaitika panguva yaNoah ka
Kwakatanga ndiye muramu akasvika paye ogugudza, babamukuru Noah ndasvika ndini muramu
Makambotuma shoko paya ndikatumira mapuranga saka mati ndofa nemvura here muripo
Kwakatanga ndiye muramu akasvika paye ogugudza, babamukuru Noah ndasvika ndini muramu
Makambotuma shoko paya ndikatumira mapuranga saka mati ndofa nemvura here muripo
Vakasvika ndivo vatezvara mvura iri mumapendekete, mukuwasha Noah zarura ndipinde
Mombe dzakasara paroora chirega pane kuti ndife nemvura iwe uripo?
Vakasvika ndivo vatezvara mvura iri mumapendekete, mukuwasha Noah zarura ndipinde
Mombe dzakasara paroora chirega pane kuti ndife nemvura iwe uripo?
Saka denga ratsamwa(Kana denga ratsamwa)
Kana denga ratsamwa(Vamwe vanofawo nemvura)
Kana denga ratsamwa(Kana denga ratsamwa)
Kana denga ratsamwa(Vamwe vanofawo nemvura)
Written by: Mark Ngwazi
instagramSharePathic_arrow_out􀆄 copy􀐅􀋲

Loading...