歌词
Ngozi huru yatakapara kuna amai mkoma woye
Amai kusvika mukufa here pasina aripa
Ngozi huru yatakapara kuna amai mkoma woye
Amai kusvika mukufa here pasina aripa
Vana vazvino tomhura vabereki uroyi hwatisingazive
Mwedzi minomwe vakakutakura vakatadza nei?
Vana vazvino tomhura vabereki uroyi hwatisingazive
Mwedzi minomwe vakakutakura vakatadza nei?
Tinozviziva hengu zviriko asi kodzero ishoma
Titsvakei nzira dzakareruka dzekutsiura nadzo
Vana vedu vachatevera zvisavanetse
Tinozviziva hengu zviriko asi kodzero ishoma
Titsvakei nzira dzakareruka dzekutsiura nadzo
Vana vedu vachatevera zvisavanetse
Chinamato hachina kuuya nekuparadzanisa hukama hwedzinza
Chinamato inzira, mabira, mashave akacheneswa aha
Chinamato hachina kuuya nekuparadzaisa hukama hwedzinza
Chinamato inzira, mabira, mashave akacheneswa aha
Kunzvenga nyora
Kumhanya kuripo amai (mai Mwari wee)
Hanganwa dziripo (huwee), hwedza ndinhasi
Ndinokumbira kukumbira ruregerero, baba, baba
Kumhanya kuripo amai (mai Mwari wee)
Hanganwa dziripo, hwedza ndinhasi
Ndinokumbira kukumbira ruregerero, baba, baba
Hanganwa dziripo amai
Kumhanya kuripo, hwedza ndinhasi
Munotorana vana vemhuri mhuri imweyo
Hanganwa dziripo amai (mugare dare)
Kumhanya kuripo (kugadzira ramangwana), hwedza ndinhasi
Munotorana vana vemhuri mhuri imweyo
Kumhanya kuripo amai (mugare dare)
Hanganwa dziripo (kugadzira ramangwana), hwedza ndinhasi
Ndinokumbira kukumbira ruregerero, baba, baba
Kumhanya kuripo amai (baba, baba)
Hanganwa dziripo (baba, baba), hwedza ndinhasi
Ndinokumbira kukumbira ruregerero
Mai, maiwee, huwee
Written by: Alick Macheso