Music Video

Music Video

Lyrics

Nembo Bwoy
Ndadzoka zvakare, pasi penyundo
Zungu zungu vanhu vese voshaya kuti chiiko
(Ndoivheneka, ndoivheneka)
Akanditarisa ini ndokumutarisawo(she look at me you know)
Akandiudza kuti anondidawo
Ndakanyemwerera ndikatora maoko ake ndikamutarisa mumaziso
Ndikati musikana mira ndikuudze
(Ukati chii?) Ndikati musikana mira ndikuudze
Dai moyo waibvisika ndaibvisa wangu ndomuratidza
Wangu wakazara nerudo rwangu kwauri musikana
Zviya zvekupfachukira, rufu chete ndorwuchatipesanisa
Asi chero tikafa zvimwe zvese zvingaoreka

Akanyemwerera ini ndokunyemwererawo
(Wati chii?) Akanditsvoda ndikaita dzunguwo
Ndakanyemwerera ndikatarisa mudenga ndikatenda Mwari
Ndikati musikana mira ndikuudze
(Muudze one more time) ndikati musikana mira ndikuudze
Dai moyo waibvisika ndaibvisa wangu ndomuratidza
Wangu wakazara nerudo rwangu kwauri musikana
Zviya zvekupfachukira, rufu chete ndorwuchatipesanisa
Asi chero tikafa zvimwe zvese zvingaoreka
Asi chero tikafa zvimwe zvese zvingaoreka
Listen, musikana akanaka, musikana akakora
Runako rwako rwanditenderedza musoro
Vachandiudza, handingakuruze
Nekuti ndikakuruza moyo wangu wakarwadza wani
Rudo rwandawana pauri harungowanikwe pese
Haundidire mari, mayas
Haundidire mora, mayas
Unondida zvandiri, eheka
Dai moyo waibvisika ndaibvisa wangu ndomuratidza
Wangu wakazara nerudo rwangu kwauri musikana
Zviya zvekupfachukira, rufu chete ndorwuchatipesanisa
Asi chero tikafa zvimwe zvese zvingaoreka
Asi chero tikafa zvimwe zvese zvingaoreka
Musikana akabatana (oh) ndoda kukutora (oh)
Ndomuendesa (oh) kwese kwese (oh)
(Oh) nyika yese (oh-woah, oh-woah, woah) nyika yese
(Oh, oh, oh, oh, oh) German Headquarters come in (vari kutamba)
(Oh-woah, oh-woah, woah) German Headquarters, please repeat contact
Dai moyo waibvisika ndaibvisa wangu ndomuratidza
Wangu wakazara nerudo rwangu kwauri musikana
Zviya zvekupfachukira, rufu chete ndorwuchatipesanisa
Asi chero tikafa zvimwe zvese zvingaoreka
Asi chero tikafa zvimwe zvese zvingaoreka
Dai moyo waibvisika ndaibvisa wangu ndomuratidza
Wangu wakazara nerudo rwangu kwauri musikana
Zviya zvekupfachukira, rufu chete ndorwuchatipesanisa
Asi chero tikafa zvimwe zvese zvingaoreka
Asi chero tikafa zvimwe zvese zvingaoreka
Written by: RR
instagramSharePathic_arrow_out

Loading...