Letra

Sekugutswa kwenyota, kupora kwechironda Kuzadzikiswa kwezvandakarota, ndakuwana Sekunyura kwaroo zuva, nyeredzi dzotekeshera Moyo wangu wobva wafara, ndakuwana Handaimbofungira kuti zvakrongwa Ndosaka moyo wangu uzere mibvunzo Zvandaingoshuwira kuti zvakarongwa Ndosaka moyo wangu uchida mhinduro Waivepi, pandaishungurudzwa moyo wangu nevamwe Waivepi, pandaishungurudzwa pfungwa dzangu nevamwe Asi wauya ka Wauya Mudiwa chinzwa ka Wauya Asi wauya ka Wauya Mudiwa chinzwa ka Kusanganiswa kwakarongwa uku,naiye wakasika Aiva mashoko ekunyaradza,apo moyo wangu uchiungudza Ndaingoshingirira moyo wangu uchidokwaira Ndiine chivimbo chekuti rimwe zuva,ndichagarika Ndiani waiziva kuti izvi zvakarongwa Ndosaka moyo wangu uzere mibvunzo Zvandaingoshuwira kuti zvakarongwa Ndosaka moyo wangu uchida mhinduro Waivepi,pandaishungurudzwa moyo wangu nevamwe Waivepi,pandaishungurudzwa pfungwa dzangu nevamwe Asi wauya ka Wauya Mudiwa chinzwa ka Wauya Asi wauya ka Wauya Mudiwa chinzwa ka Sekutungidzwa kwechiedza murima Ngavaone,ngavazvizive ndakuwana Sekutungidzwa kwechiedza murima Ngavaone,ngavazvizive ndakuwana Waivepi,pandaishungurudzwa moyo wangu nevamwe Waivepi,pandaishungurudzwa pfungwa dzangu nevamwe Asi wauya ka Wauya Mudiwa chinzwa ka Wauya Asi wauya ka wauya ka wauya ka Mudiwa chinzwa ka
Writer(s): Nyasha David Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out