क्रेडिट्स

PERFORMING ARTISTS
Charles Charamba
Charles Charamba
Lead Vocals
Fishers of Men
Fishers of Men
Performer
COMPOSITION & LYRICS
Charles Charamba
Charles Charamba
Songwriter
PRODUCTION & ENGINEERING
Charles Charamba
Charles Charamba
Producer

गाने

Ndingakumbire seiko ambuya vaindipewo murume
Kana vakafa varambana newavo?
Ndogokumbira seiko sekuru vandipe mudzimai
Kana vakafa vatiziwa newavo?
Ndogokumbira seiko vakafa vandirongere denga
Kana naivo vachitsvagawo denga?
Ndingakumbire seiko vedzinza vandiponesewo
Kana naivo vachida kuponeswa?
Ndingakumbire seiko midzimu indipe zvakawanda
Vakuru vachiti iyo haipe kaviri?
Ndingakumbire seiko midzimu indipe zvakawanda
Kana naiyo isingape kaviri?
Kwete hazvigoni
Hazvigoni kwete, kweteka hazvigoni
Hazvigoni kwete hazvigoni
Hazvigoni kwete, kweteka hazvigoni
Hazvigoni kunamata chisikwa ndichisiya Mwari wakachisika
Zvaita sei?
Hazvigoni kunamata midzimu ndichisiya Mwari wakaisika
Zvaita sei?
Hazvigoni kunamata mashavi ndichisiya Mwari wakaasika
Zvaita sei?
Ndingakumbire seiko ambuya vaindipewo murume
Kana vakafa varambana newavo?
Ndogokumbira seiko sekuru vandipe mudzimai
Kana vakafa vatiziwa newavo?
Ndingakumbira seiko vakafa vandirongere denga
Kana naivo vachitsvagawo denga?
Ndingakumbire seiko vedzinza vandiponesewo
Kana naivo vachida kuponeswa?
Ndogokumbira seiko midzimu indipe zvakawanda
Vakuru vachiti iyo haipe kaviri?
Ndingakumbire seiko midzimu indipe zvakawanda
Kana naiyo isingape kaviri?
Kwete hazvigoni
Hazvigoni kwete, kweteka hazvigoni
Hazvigoni kwete hazvigoni
Hazvigoni kwete, kweteka hazvigoni
Hazvigoni kunamata chisikwa ndichisiya Mwari wakachisika
Zvaita sei?
Hazvigoni kunamata midzimu ndichisiya Mwari wakaisika
Zvaita sei?
Hazvigoni kunamata mashavi ndichisiya Mwari wakaasika
Zvaita seiko?
Mbira yakashaya muswe nekutumidzira
Ndinoenda ndega kuna Mwari wangu
Mbira yakashaya muswe nekutumidzira
Ndinosvika ndega kuna Mwari wangu
Mbira yakashaya muswe nekutumidzira
Ndotaura ndega muzita raJesu
Mbira yakashaya muswe nekutumidzira
Ndinoenda ndega kuna Mwari wangu
Zvavanotenda panyika vana vevanhu
Chokwadi zvinoshamisa, hongu zvinoshamisa
Zvavanotenda panyika vana vevanhu
Chokwadi zvinoshamisa, hongu zvinoshamisa
Vamwe vanotenda varume vavo vakavaroora
Vanovanamata
Vamwe vachitenda kuvana vavo
Vana vavakabara vanovanamata
Vamwe vachitenda matura avo
Anovapa zvekudya vanomanamata
Vamwe vachitenda kunzizi huru
Nzizi dzekumusha kwavo vanodzinamata
Vamwe vachitenda midzimu yavo
Yavakaudzwa nababa vanoinamata
Vamwe vachitenda kumakomo
Makuru ekumusha kwavo vanoanamata
Vamwe vachitenda kumakomo
Makuru ekumusha kwavo vanoanamata iwe
Samasimba ose Jehovha tibatsire (ndimi Mwari vane nyasha)
Hai hoindeya, hei hoindeya (ndimi Mwari vane nyasha)
Samasimba ose Jehovha tibatsire (ndimi Mwari vane nyasha)
Hai hoindeya, hei hoindeya (ndimi Mwari vane nyasha)
Samasimba ose Jehovha tibayamure
Hai hoindeya, hei hoindeya
Samasimba ose Jehovha tibayamure
Hai hoindeya, hei hoindeya
Tibatsire tikwanise kukunzwisisawo
Hai hoindeya, hei hoindeya
Tibatsire tikwanisewo kukunzwisisa
Hai hoindeya, hei hoindeya
Tiyamure tikwanisewo kukunzwisisa
Hai hoindeya, hei hoindeya
Tiyamure tikwanisewo kukunzwisisa
Hai hoindeya, hei hoindeya
Samasimba ose Jehovha tibatsire
Hai hoindeya, hei hoindeya
Samasimba ose Jehovha tibatsire
Hai hoindeya, hei hoindeya
Tibatsire tikwanisewo kukunzwisisa
Hai hoindeya, hei hoindeya
Tiyamure tikwanisewo kukunzwisisawo
Hai hoindeya, hei hoindeya
Written by: Charles Charamba
instagramSharePathic_arrow_out

Loading...