album cover
Ndamuda
13.625
World
Ndamuda dirilis pada 9 April 2018 oleh Hot Property Entertainment, under exclusive license to Jungle Entertainment Ventures sebagai bagian dari album Mashoko Anopfuura
album cover
Tanggal Rilis9 April 2018
LabelHot Property Entertainment, under exclusive license to Jungle Entertainment Ventures
Melodiksi
Level Akustik
Valence
Kemampuan untuk menari
Energi
BPM60

Dari

Lirik

Hot Property!
Ahaa, ahaa
Tamuka!
Ndakamuona ari ega achizvifambira
Ndikati, "Nguva newe ndoyandinokumbira
Hameno kana paine pandokuzivira?"
Ndikati, "Musikana dai wandidaira"
Zvikanzi, "Mukuwasha dai mandikwanira
Munenge mune ruchiva ndorunokufurirai"
Ndikati zvamandipa ndinongotambira
Ndikati uyu mukana ndotoushandisa
Ndikati mhamha vangu ndotovazivisa
Asi vakandozviramba
Kana ndichinge ndamuda mhamha musandirambidze
Rudo ndiro runondituma
Ndichinge ndamuda mhamha musandirambidze
Rudo ndiro runondituma
Achida kuti ndimutambire, ehe ndinomutambira
Achida ndimuimbire, ehe ndinomuimbira
Achida kuti ndimutakure, ehe ndinomutakura
Bhabhu, mudiwa wangu ndomubereka ahaa
Ndaida auye kumba muroora wenyu ndinoda mundinzwewo (aha)
Vakanditi hazvigone uchiri mwana hauzvikwanisewo (aha)
Chinonzi regera ndochiri mumaoko
Kunyangwe mukanditakudza svinga remashoko
Ringave pfumo rerudo ririmo mumoyo
Parichabhebha moto muchanzi, "Hokoyo"
Kana ndichinge ndamuda mhamha musandirambidze
Rudo ndirwo runondituma
Achinge ndamuda mhamha musandirambidze
Rudo ndiro runondituma
Achida kuti ndimutambire, ehe ndinomutambira
Achida ndimuimbire, ehe ndinomuimbira
Achida kuti ndimutakure, ehe ndinomutakura
Bhabhu, mudiwa wangu ndomubereka ahaa
Ndakamuona ari ega achizvifambira
Ndikati, "Nguva newe ndoyandinokumbira
Hameno kana paine pandokuzivira?"
Ndikati, "Musikana dai wandidaira"
Zvikanzi, "Mukuwasha dai mandikwanira
Munenge mune ruchiva ndorunokufurirai"
Ndikati zvamandipa ndinongotambira
Ndikati uyu mukana ndotoushandisa
Ndikati mhamha vangu ndotovazivisa
Asi vakanozviramba
Kana ndichinge ndamuda mhamha musandirambidze
Rudo ndiro runondituma
Achinge ndamuda mhamha musandirambidze
Rudo ndiro runondituma
Achida kuti ndimutambire, ehe ndinomutambira
Achida ndimuimbire ehe, ndinomuimbira
Achida kuti ndimutakure ehe, ndinomutakura
Bhabhu, mudiwa wangu ndomubereka
Achida ndimutambire, bhabhu, mudiwa wangu ndomubereka
Achida ndimutakure, bhabhu, mudiwa wangu ndomubereka
instagramSharePathic_arrow_out􀆄 copy􀐅􀋲

Loading...