album cover
Chete
1941
R&B/Soul
Chete è stato pubblicato il 3 ottobre 2025 da Audius come parte dell'album House of Stones
album cover
Data di uscita3 ottobre 2025
EtichettaAudius
Melodicità
Acousticità
Valence
Ballabilità
Energia
BPM130

Crediti

PERFORMING ARTISTS
Audius
Audius
Background Vocals
COMPOSITION & LYRICS
Audius Mtawarira
Audius Mtawarira
Songwriter
PRODUCTION & ENGINEERING
Audius
Audius
Producer

Testi

Chero wakakurira kumusha
Uchinzi bhutsu hauna, hembe dzakabvaruka
Pamwe akarerwa mukushupika
Mukubatanidza chero-chero chinobatika, ah
Hona aenda kumunda zvake
Badza pamwe ndiro richamupa zvinogutsa
Manje inguva chete, nguva chete
Kani mira uone uyu pane zvaachaitawo, mmm
Kwaachaendawo
Mwari wake anomudawo
Kwazviri achazviwana, mmm
Pamwe nhasi haana kudya
Chero kaiko hakuna, kadiki-diki hakuna
Vamwe vakakomborerwa chaizvo
Vanofamba vachidya piece, imwe piece vachirasa
Hazvina mhosva, siyai zvakadaro
Nguva yemumhu inosiyana zvakadaro
Muchamuona akusiyaiwo makadaro
Mira uone uyu (uyu) pane zvaachaitawo, mmm
Kwaachaendawo, mmm
Mwari wake anomudawo
Pazviri achazviwana, yeah
Anochiwana chinomufadza mumoyo make
Eeeyi haizi mari chete
Anopihwa zvinomufadza mumoyo make
Ooh, pamwe ndiMwari chete, rudo chete
Kugutsikana nehupenyu chete
Kana wamuwana waunoda chete
Kana watupihwa twako twuvana chete
Kupihwa kwese moyo wanaka (wanaka)
Kupihwa chero vachikuona uchifamba
Kupihwa kana unaro simba rekushanda
Haisi mari chete inopa zvinofamba
Ndi Mwari wako, rudo chete (chete)
Chero pane munhu anongokuda chete (chete)
Chero wawana paunogara chete (chete)
Chero warega zvekubata-bata chete
Famba tione (tione)
Nekuti nzira ndeyako (ndeyako)
Zvemumwe siya ndezvake (ndezvake) mmm
Mira uone uyu (uyu) pane zvaachaitawo (zvaachaitawo)
Kwaachaendawo (kwaachaendawo)
Mwari wake anomudawo (anomudawo)
Kwazviri achazviwana
Kupihwa kwese moyo wanaka (wanaka)
Kupihwa chero vachikuona uchifamba (uchifamba)
Kupihwa kana unaro simba rekushanda
Haisi mari chete (chete) inopa zvinofamba
NdiMwari chete (chete) rudo chete
Kana panemunhu anongokuda chete (chete)
Chero wawana paunogara chete (chete)
Kana warega zvekubata-bata chete
Famba tione (tione)
Nekuti nzira ndeyako (ndeyako)
Zvemumwe siya ndezvake
Famba tione, tione
Written by: Audius Mtawarira
instagramSharePathic_arrow_out􀆄 copy􀐅􀋲

Loading...