album cover
Hama
album cover
Hama은(는) {albumName} 앨범에 수록된 곡으로 2011년 1월 1일일에 Blessing Shumba에서 발매되었습니다.Ndi Mwari
앨범Ndi Mwari
Released2011년 1월 1일
라벨Blessing Shumba
BPM
멜로디에 강한 음악
어쿠스틱 악기 중심
발랑스
춤추기 좋은 음악
에너지

뮤직 비디오

뮤직 비디오

가사

Ndidzo hama dzatinadzo, shamwari dzerwendo
Dzine rudo rwazondishamisa Mwari wangu
Idzi ndidzo hama dzatinadzo, shamwari dzerwendo
Dzine rudo rwazondishamisa Mwari wangu
Makati chemai navanochema ava vari kuchema nesu
Makati chemai navanochema saka vari kuchema nesu
Kana zvinorema zvichiuya ava vanotiyamura isu
Moyo yedu yadzimbikana vanotinyaradza isu
Kuzungaira kupi nokupi vanomira nesu
Patinotambura kwazvo kwazvo vanotiyamura isu
Kuchema kwose kwose vanotinyaradza isu
Ndidzo hama dzatinadzo dzokutenda
Dzine rudo rwazondishamisa Mwari wangu
Makati rudo pakati pedu rurikupfuta rudo
Patinorasika padzidziso vanotidzora isu
Patinotambura kwazvo kwazvo vanomira nesu
Saka ndidzo hama dzatinadzo
Hama dzokutenda dzine rudo rwazondishamisa Mwari wangu
Tarira kunaka kwazvo nokufadza kwazvo
(Tarira kunaka kwazvo nokufadza kwazvo)
Kana hama dzichigara, hama dzichigara pamwechete norugare
(Kana hama dzichigara, hama dzichigara pamwechete norugare)
Tarira kunaka kwazvo nokufadza kwazvo
(Tarira kunaka kwazvo nokufadza kwazvo)
Kana hama dzichigara, hama dzichigara pamwechete norugare
(Kana hama dzichigara, hama dzichigara pamwechete norugare)
Kana zvinorema zvichiuya, moyo yodzimbikana
Pashayiwa simba kwazvo, hama dzangu ngatibate pamwe
Muzvose zvinonetsa, nhamo kana rugare
Imi hama dzangu, hama ndapota ngatibate pamwe
Kana zvinorema zvichiuya, moyo yodzimbikana
Toshayiwa simba kwazvo, hama dzangu ngatibate pamwe
Muzvose zvinonetsa, nhamo kana rugare
Imi hama dzangu, hama ndapota ngatibate pamwe
Tarira kunaka kwazvo nokufadza kwazvo
(Tarira kunaka kwazvo nokufadza kwazvo)
Kana hama dzichigara, hama dzichigara pamwechete norugare
(Kana hama dzichigara, hama dzichigara pamwechete norugare)
Tarira kunaka kwazvo nokufadza kwazvo
(Tarira kunaka kwazvo nokufadza kwazvo)
Kana hama dzichigara, hama dzichigara pamwechete norugare
(Kana hama dzichigara, hama dzichigara pamwechete norugare)
Written by: Blessing Shumba
instagramSharePathic_arrow_out􀆄 copy􀐅􀋲

Loading...