Music Video

Mai Tawananyasha
Watch {trackName} music video by {artistName}

Credits

PERFORMING ARTISTS
Mark Ngwazi
Mark Ngwazi
Performer
COMPOSITION & LYRICS
Mark Ngwazi
Mark Ngwazi
Songwriter

Lyrics

Zvikaramba zvakadaro ucharongedza mai vaTawananyasha (Zvikaramba zvakadaro ucharongedza) Zvikaramba zvakadaro ndokudhilita mai vaTawananyasha (Zvikaramba zvakadaro ucharongedza) Usati zvawave nemari watove baba vemusha nhaiwe (Zvikaramba zvakadaro ucharongedza) Handingawachi manepi nekuti wave nemari mudiwa (Zvikaramba zvakadaro ucharongedza) Handidi vana vatonga musha uno harisi danga rembudzi (Zvikaramba zvakadaro ucharongedza) Ndati handidi vana vatonga musha uno harisi danga rembudzi (Zvikaramba zvakadaro ucharongedza) Baba nyanga nendebvu Amai nyanga nendebvu Vana nyanga nendebvu haisva ndarambaka Baba nyanga nendebvu Amai nyanga nendebvu Vana nyanga nendebvu haisva ndarambaka Vanotitemera ma-sanctions kana pari panyaya dzerudo (Zvikaramba zvakadaro ucharongedza) Imi varume ndiro dzakanaka ndinodzidyira kwauya mufundisi (Zvikaramba zvakadaro ucharongedza) Pave kutoda gogo Mpofu nyaya yacho ndaikonewa (Zvikaramba zvakadaro ucharongedza) Pave kutoda kwa Mai Chisamba nyaya yacho ndaikonewa (Zvikaramba zvakadaro ucharongedza) Ndaiti ndiroore kunemari ndigarike Mai ndapinda papfumvu Nyaya dzedu dzekuda zvakachipa kunge honye Mai ndapinda papfumvu Hama dzake dzinouya dzichiita zvadzinoda Mai ndapinda papfumvu Vanotora shuga vachidira mudrink Mai ndapinda papfumvu Sadza, muriwo, supu zvese mundiro imwe chete Kunge arikufidha mbwanana Kushaya hunhu kunge mukadzi wechigure Kunongedza murume achiti icho Bhosi Elias Svova Rizende Shingi Muzembe mafaro huchi pasina nyuchi Victor Kundi Tanatswa Investiments VaChirekete udzai vana ava vachiri vadiki Kana varoorwa kudza murume sababa vembaka Baba Chizora udzai vana ava vachiri vadiki Kana waroorwa kudza murume sababa vembaka Ungave musoja kubasa murume arigadhi Kana wave mumba kudza murume sababa vembaka Ungave nenyembe kubasa ngadziperereko Kana wave mumba kudza murume sababa vembaka Mamuka sei Mhofu? Mamuka sei Moyo? Maswera sei Mukanya? Maswera sei Sinyoro? Mamuka sei Dhuve? Mamukasei Ngara? Maswera sei Gushungo? Maswera sei Save? Munoda kudyei Mhofu? Munoda kudyei Moyo? Munoda kudyei Mukanya? Munoda kudyei Sinyoro? Munoda kudyei Dhuve? Munoda kudyei Ngara? Munoda kudyei Gushungo? Munoda kudyei Save? Baba namai udzai vana ava vachiri vadiki Kana waroorwa kudza murume sababa vembaka Mukavasiye vakadaro vanosvorwa ndimi Maitire ake atodza kwakaenda mombe Kikikiki kuseka kwepaWhatsApp nhamo serugare Ndapinda papfumvu Kikikiki kuseka kwepaWhatsApp nhamo serugare Ndapinda papfumvu Kikikiki kuseka kwepaWhatsApp nhamo serugare Ndapinda papfumvu Ndaiti ndiroore kunemari ndigarike Mai ndapinda papfumvu Unenge uchiti i-blessing apa iri shumba Mai ndapinda papfumvu Kapfupi kanguva kekufara wakastana naye Mhere unogaraka uchiridza Unototya kumutuma uchiti zvimwe acharamba Mai ndapinda papfumvu Rumbidzai zvirikuzhe hamawe Asi chakafukidza dzimba matenga Tipeiwo mercy, Mutsvene Wedenga Nokuti ndapinda papfumvu
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out