Lyrics
Zvikaramba zvakadaro ucharongedza mai vaTawananyasha
(Zvikaramba zvakadaro ucharongedza)
Zvikaramba zvakadaro ndokudhilita mai vaTawananyasha
(Zvikaramba zvakadaro ucharongedza)
Usati zvawave nemari watove baba vemusha nhaiwe
(Zvikaramba zvakadaro ucharongedza)
Handingawachi manepi nekuti wave nemari mudiwa
(Zvikaramba zvakadaro ucharongedza)
Handidi vana vatonga musha uno harisi danga rembudzi
(Zvikaramba zvakadaro ucharongedza)
Ndati handidi vana vatonga musha uno harisi danga rembudzi
(Zvikaramba zvakadaro ucharongedza)
Baba nyanga nendebvu
Amai nyanga nendebvu
Vana nyanga nendebvu haisva ndarambaka
Baba nyanga nendebvu
Amai nyanga nendebvu
Vana nyanga nendebvu haisva ndarambaka
Vanotitemera ma-sanctions kana pari panyaya dzerudo
(Zvikaramba zvakadaro ucharongedza)
Imi varume ndiro dzakanaka ndinodzidyira kwauya mufundisi
(Zvikaramba zvakadaro ucharongedza)
Pave kutoda gogo Mpofu nyaya yacho ndaikonewa
(Zvikaramba zvakadaro ucharongedza)
Pave kutoda kwa Mai Chisamba nyaya yacho ndaikonewa
(Zvikaramba zvakadaro ucharongedza)
Ndaiti ndiroore kunemari ndigarike
Mai ndapinda papfumvu
Nyaya dzedu dzekuda zvakachipa kunge honye
Mai ndapinda papfumvu
Hama dzake dzinouya dzichiita zvadzinoda
Mai ndapinda papfumvu
Vanotora shuga vachidira mudrink
Mai ndapinda papfumvu
Sadza, muriwo, supu zvese mundiro imwe chete
Kunge arikufidha mbwanana
Kushaya hunhu kunge mukadzi wechigure
Kunongedza murume achiti icho
Bhosi Elias Svova Rizende
Shingi Muzembe mafaro huchi pasina nyuchi
Victor Kundi
Tanatswa Investiments
VaChirekete udzai vana ava vachiri vadiki
Kana varoorwa kudza murume sababa vembaka
Baba Chizora udzai vana ava vachiri vadiki
Kana waroorwa kudza murume sababa vembaka
Ungave musoja kubasa murume arigadhi
Kana wave mumba kudza murume sababa vembaka
Ungave nenyembe kubasa ngadziperereko
Kana wave mumba kudza murume sababa vembaka
Mamuka sei Mhofu?
Mamuka sei Moyo?
Maswera sei Mukanya?
Maswera sei Sinyoro?
Mamuka sei Dhuve?
Mamukasei Ngara?
Maswera sei Gushungo?
Maswera sei Save?
Munoda kudyei Mhofu?
Munoda kudyei Moyo?
Munoda kudyei Mukanya?
Munoda kudyei Sinyoro?
Munoda kudyei Dhuve?
Munoda kudyei Ngara?
Munoda kudyei Gushungo?
Munoda kudyei Save?
Baba namai udzai vana ava vachiri vadiki
Kana waroorwa kudza murume sababa vembaka
Mukavasiye vakadaro vanosvorwa ndimi
Maitire ake atodza kwakaenda mombe
Kikikiki kuseka kwepaWhatsApp nhamo serugare
Ndapinda papfumvu
Kikikiki kuseka kwepaWhatsApp nhamo serugare
Ndapinda papfumvu
Kikikiki kuseka kwepaWhatsApp nhamo serugare
Ndapinda papfumvu
Ndaiti ndiroore kunemari ndigarike
Mai ndapinda papfumvu
Unenge uchiti i-blessing apa iri shumba
Mai ndapinda papfumvu
Kapfupi kanguva kekufara wakastana naye
Mhere unogaraka uchiridza
Unototya kumutuma uchiti zvimwe acharamba
Mai ndapinda papfumvu
Rumbidzai zvirikuzhe hamawe
Asi chakafukidza dzimba matenga
Tipeiwo mercy, Mutsvene Wedenga
Nokuti ndapinda papfumvu
Lyrics powered by www.musixmatch.com