Lyrics

Ndozviziva kuita kwenguva Asi zvinondirwadza kufunga (O-O-Oskid Production) Pane vatichasuwa Pane vachatisuwa Zvakangondigara pachifuva Ndiani anoda kutanga? Hapana Ndiani anoda kusiiwa? Hapana Handingaendi ndisina kuburitsa zviri muhana Tese tenge takarirongera ramangwana Zvoreva here aenda apotswa nemachena? Asara wacho adii kungopihwa mukana Madii zvenyu matora inini, do you mean it? Kana kuti, kungozhamba Munamato wangu uri kusvika here? Kana kuti, zvingori zvechamba Vamakatora kwedu vakakwana here? Kana, muchatora umwe zvorwadza Zvandakaona ndoo zvatichaona here? Mwana wangu, baba vachitandadza Kuti vaende ndaisamboda Ndaiva mudiki, kana chandaiziva Hanzi ndirufu akatora Akuziva here kuti ndikurwadziwa Kana ouya ndoda kuziva Ndomumirira ndomuti ibva munzira Kuti vaende ndaisamboda Kuti vaende ndaisamboda Kuti vaende ndaisamboda Ndaiva mudoko, kana chandaiziva Hanzi ndirufu akatora Akaziva here kuti ndakarwadziwa Kana ouya ndoda kuziva Ndomumirira ndomuti ibva munzira Kana ouya ndoda kuziva Kana ouya ndoda kuziva Pfau, pfau, pfau, pfau Maziso pinduru pinduru Nhai baba maonei? Pfau, pfau, pfau, tasa Mafuro mumukanwa Ko nhai baba makadyei? Inini wacho mandisiya nei? (Siya nei?) Zvamafa, ini nemi tasiyanei? (Tasiyanei?) Akutorai wacho anodei? (Anodei?) Zvatisina chatiinacho, maparadzei? (Maparadzei?) Nhamo muparadzi Kutora mai vangu kuisa faraz Une shavi rechiGunners Kutitsemura nepakati seDhonanzi Kuti vaende ndaisamboda Ndaiva mudiki, kana chandaiziva Hanzi ndirufu akatora Akuziva here kuti ndikurwadziwa Kana ouya ndoda kuziva Ndomumirira ndomuti ibva munzira Kuti vaende ndaisamboda Kuti vaende ndaisamboda Kuti vaende ndaisamboda Ndaiva mudoko, kana chandaiziva Hanzi ndirufu akatora Akaziva here kuti ndakarwadziwa Kana ouya ndoda kuziva Ndomumirira ndomuti ibva munzira Kana ouya ndoda kuziva Kana ouya ndoda kuziva
Writer(s): Ameen Matanga Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out