album cover
Chibingaidzo
2,868
World
Chibingaidzo was released on January 1, 1999 by Universal Music (Pty) Ltd. as a part of the album Pakuyambuka
album cover
Release DateJanuary 1, 1999
LabelUniversal Music (Pty) Ltd.
Melodicness
Acousticness
Valence
Danceability
Energy
BPM

Music Video

Music Video

Credits

PERFORMING ARTISTS
Leonard Zhakata
Leonard Zhakata
Vocals
COMPOSITION & LYRICS
Leonard Zhakata
Leonard Zhakata
Composer, Lyrics

Lyrics

Wakandiudza paya mwana wamai
Wakange waoneiko
Wakandiudza paya mwana wamai
Wakange waoneiko
Wakanditi takura mwenje mberi kuchaita rima
Wakange waoneiko
Wakanditi takura mwenje mberi kuchaita rima
Wakange waoneiko
Wakanditi chenjerera utori muvengi rouya hero
Wakanditi chenjerera utori muvengi rouya hero
Ndazoda ndimhanye nepapa ndaona vakarindira variko variko
Ndazama kutiza nepapa ndaona vakarindirazve variko variko
Kuzama kupoya nepapa ndaona vakarindirazve variko variko
Kwakatoumbwa uto rakasimba rakamirira kundiparadza
Kwakatoumbwa uto rakasimba rakamirira kundiparadza
Vachandizvuzvurudza mumatope kuti ndigosemesa kuruzhinji
Vachandizvuzvurudza mumatope kuti ndigosemesa kuruzhinji
Mhandu yemunhu munhu chete vakomana
Mhandu yemunhu munhu chete muchazvibvumawo
Waunoona achitadza kurara kuri kuronga nzira dzekukuparadza iwe
Waunoona achitadza kurara kuri kutsvaga zano rekukuparadza iwe
Anovenga chaiye idi haambomirira kutadzirwaba
Anovenga chaiye idi haambomirira kutadzirwaba
Ko ini ndange ndaparei kundipazira zambuko ndisati ndayambuka vakomana
Ndati ndange ndaparei kundipazira zambuko ndisati ndayambuka vakomana
Mhandu yemunhu munhu chete ndazviona
Kana chiri chigaro ndati ndasimuka garai zvenyu (garai zvenyu)
Kana chiri chigaro ndichinge ndasimuka garai zvenyu (garai zvenyu)
Kana muri mudariro ndichinge ndabudawo pindai zvenyu (mopinda zvenyu)
Kana muri mudariro ndichinge ndabudawo pindai zvenyu (mopinda zvenyu)
Kana chiri chinzvimbo ndichinge ndasiyawo torai zvenyu (torai zvenyu)
Kana chiri chinzvimbo ndichinge ndasiyawo torai zvenyu (torai zvenyu)
Ndati ndange ndaparei kundipazira zambuko ndisati ndayambuka vakomana
Ko ini ndange ndaparei kundipazira zambuko ndisati ndayambuka vakomana
Mhandu yemunhu munhu chete ndazviona
Mhandu yemunhu munhu chete muchazvibvumawo kana zvauya kwenyu
Wakamirira kuve chibingaidzo changu here mukurarama
Wakamirira kuve chibingaidzo changu here mukurarama
Written by: Leonard Zhakata
instagramSharePathic_arrow_out􀆄 copy􀐅􀋲

Loading...