Credits

PERFORMING ARTISTS
Marshal Munhumumwe
Marshal Munhumumwe
Vocals
The Four Brothers
The Four Brothers
Performer
COMPOSITION & LYRICS
Marshal Munhumumwe
Marshal Munhumumwe
Composer

Lyrics

Dhiya iwe dhiya iwe, usandione sekacheche
Rudo chete runondinetsa, usandione sendinopenga ini
Kana ndada munhu inini, ndamudawo pachokwadi
Mudiwa wangu mudiwa wanguwo, usandione sekacheche
Dhiya iwe dhiya iwe, usandione sekacheche
Rudo chete runondinetsa, usandione sendinopenga

Rudo chete runondishungurudza, runonditadzisa kugara pasi
Ndikaswera ndisina kukuona, zvinondirwadzawo pamoyo
Ndinoswera ndakakutakura mupfungwa dzanguwo shamwari
Ndichingofunga nyaya dzedu dziye, nyaya dzedu dzemandorokwati
Pfungwa dzangu ibararamhanywa, nekufunga rangu remangwana
Chiri chii chingandifadze, kana ndisina kukuona?
Rudo chete runondituma kuti ndikutevere shamwari
Mudiwa wangu mudiwa wanguwo, ndiudzewo pachine nguva

Written by: Marshal Munhumumwe
instagramSharePathic_arrow_out

Loading...