album cover
Ramangwana
284
Worldwide
Ramangwana was released on February 10, 2022 by Diamond Studios as a part of the album Charger Yetsono
album cover
Release DateFebruary 10, 2022
LabelDiamond Studios
Melodicness
Acousticness
Valence
Danceability
Energy
BPM119

Music Video

Music Video

Credits

PERFORMING ARTISTS
Mark Ngwazi
Mark Ngwazi
Performer
COMPOSITION & LYRICS
Mark Ngwazi
Mark Ngwazi
Songwriter

Lyrics

Ramangwana harina anoziva
Ramangwana harina anoziva
Zvikanzi Mwari vakukomborera wabuda munhamo
Pauchabata mari yakawanda
Usazokanganwawo mukadzi wawakabva naye munhamo
Ramangwana harina anoziva
Ramangwana harina anoziva
Zvikanzi Mwari vakukomborera wabuda munhamo
Pauchabata mari yakawanda
Usazokanganwawo mukadzi wawakabva naye munhamo
Maibhajeta mari ichienda kubasa rababa
Maibhajeta mari ichienda kubasa rababa
Muchidya sadza nemuboora muchiti zvinake
Muchidya sadza nemunyu wemapundu
Nhasi kubasa zvabhadhara
Wakuona man'a emukadzi wawakabva naye munhamo sei
Wawakabva naye munhamo achazorora riiniko
Wawakabva naye munhamo achazorora riiniko baba Tatenda
Vamwe varume tiri pwere madzimai tsungai moyo
Vamwe varume tiri pwere madzimai tsungai moyo
Pwere inosiya sadza richikwata mumba kumhanyira munya wekumakwato
Vamwe varume tiri pwere madzimai tsungai moyo
Vamwe varume tiri pwere madzimai tsungai moyo
Pwere inosiya sadza richikwata mumba kumhanyira munya wekumakwato
Vanhu vatema tikabata mari yakawanda
Chekutanga kuchinja mukadzi, piri kusiya vana mumasango umu
Asi patinofa vana vanodzungaira semapete akasara padongo

Asi patinofa vana vanochena muromo sabhiridha apisa juraho
Vanhu vatema tikabata mari yakawanda
Chekutanga kuchinja mukadzi, piri kusiya vana mumasango umu
Asi patinofa vana vanochena muromo sabhiridha apisa juraho
Vahosi havarambwi hama yangu
Mukadzi akakuda uri tsuro ndiye mukadzi wako
Vahosi havarambwi hama yangu
Mukadzi akakuda uri tsuro ndiye mukadzi wako
Zvauri kusvipira mutsime nekuti waona chibhorani
Pachichafuma chakafa uchaona ndondo nenyota
Zvauri kusvipira mutsime nekuti waona chibhorani
Pachichafuma chakafa uchaona ndondo nenyota
Zvauri kusvipira mutsime nekuti waona chibhorani
Pachichafuma chakafa uchaona ndondo nenyota
Amai Mike hiiii uchavarangarira (uchavarangarira)
Hihihi (uchavarangarira) hiii uchavarangarira (uchavarangarira)
Amai Tatenda (uchavarangarira) hiii uchavarangarira (uchavarangarira)
Hihihi (uchavarangarira) hiii uchavarangarira (uchavarangarira)
Amai Nenyasha (uchavarangarira) hiii uchavarangarira (uchavarangarira)
Hihihi (uchavarangarira)hiii uchavarangarira (uchavarangarira)
Amai Kudziai (uchavarangarira) hii uchavarangarira (uchavarangarira)
Hihihi (uchavarangarira) hiii uchavarangarira (uchavarangarira)
Amai Tafadzwa (uchavarangarira) hiiii uchavarangarira (uchavarangarira)
Hihihi (uchavarangarira) hiiii uchavarangarira (uchavarangarira)
Written by: Mark Ngwazi
instagramSharePathic_arrow_out􀆄 copy􀐅􀋲

Loading...