Lyrics
Ndakatambura zvikuru ndichikutsvaga iwe nechinangwa chekuti tivake musha weduka
Ndakatambura zvikuru ndichikutsvaga iwe nechinangwa chekuti tivake dumba reduwo
Woenda iwe kudunhu riri kure wondikanganwawo seiko dhiya wangu?
Woenda iwe kudunhu riri kure wondikanganwazve seiko mumwe wangu?
Ndakatambura zvikuru ndichikutsvaga iwe nechinangwa chekuti tivake musha weduwo
Woenda iwe kudunhu riri kure wondikanganwawo seiko mumwe wanguka?
Chengeto hohooo ndakakusarudza wani
Chengeto hohooo ndakakusarura wani
Chengeto hohooo ndakakusarudza wani
Chengeto hohoo ndisarudzewozve
Chengeto hohoo ndisarurewo
Chengeto hohoo ndisarudzewozve
Chengeto hohoo usandinyadzise iwe
Chengeto hohoo usandinyadzise
Chengeto hohoo usandinyadzise iwe
Ndakatambura zvikuru ndichikutsvaga iwe nechinangwa chekuti tivake musha weduka
Ndakatambura zvikuru ndichikutsvaga iwe nechinangwa chekuti tivake dumba reduwo
Woenda iwe kudunhu riri kure wondikanganwawo sei dhiya wangu?
Woenda iwe kudunhu riri kure wondikanganwawo sei mumwe wangu?
Ko meso wani wakasvinura wakasvika
Zviri zvimwe zvese tozoringa runako
Ko moyo wakaipa kudaro wakazoutorepiko?
Baba naamai vangu vakakumirira
Hama dzangu dzose dzakakumirira
Kuti uuye zvedu kuzofara pamwe
Kuti uuye zvako kuzotonga kumusha
Ko moyo wakaipa kudaro wakazoutorepiko?
Chengeto hohoo wandishoreiko?
Chengeto hohoo wandishoreiko?
Chengeto hohoo wandishoreiko?
Chengeto hohoo ndisarudzewozve
Chengeto hohoo ndisarurewo
Chengeto hohoo ndisarudzewozve
Chengeto hohoo ndisarudzewozve
Chengeto hohoo ndisarudzewozve
Chengeto hohoo ndisarudzewozve
Written by: Leonard Dembomavara