album cover
Kana Ndafa
15
Afro-Beat
Kana Ndafa was released on June 21, 2024 by Knockout Music as a part of the album Singles Collection I - EP
album cover
Release DateJune 21, 2024
LabelKnockout Music
Melodicness
Acousticness
Valence
Danceability
Energy
BPM109

Credits

COMPOSITION & LYRICS
Soul Musaka
Soul Musaka
Songwriter

Lyrics

Bad Company
So So So
Ngwendeza
Sekutamba sekuseka, musoro uchingo cracker, zvichitoitika
Asi ndinozviziva ndichangopepereka nenyika
Ndichingofamba zvangu ndichingotendereka
Asi ndichataura kuzvisvikira zvajeka
Ndaisaziva kuti nhamo ichandicheka
Chokwadi vakawanda vachandibuka
Asi ngoma ndoramba ndichibika
Nekuti varipo vachandisvibisa, vaye vachandichipisa
Vanoti zvandaita hazviite
Varipo vachati tomusimbisa, asi vamwe vachangondipikisa
Asi chandinoda kuzvijekesa, kuzvichenesa
Nekuti zvimwe zvacho nevanhu zvinovengesa
Saka ndoda kuti
Kana ndafa ndoda mugoziva
Ndapinda muguva
Zvimwe zvamaiudzwa aiva manyepo
Apa ndivo futi vatumira mamhepo
Vavengi, Vavengi
Kana ndafa ndapinda muguva
Ndoda mugoziva
Zvimwe zvamaiudzwa aiva manyepo
Asi ndivo futi vaindi tumira mamhepo, mamhepo
Wonzi raiva zambuko, riye rava dziva
Hada Sauro hapana chaanoziva
Kana ukaona vachiita kukurava, unoti aiwa uyu anovava
Asi ndivo futi vanenge vachikuseka nyangwe mbatya yaukapfeka
Asi mangwana zvichiitika nguva dzichifamba
People are dying, Soul Jah Love is crying
Yes we keep on trying and i keep on flying
Asi chandinoziva kuti Mwari vachabuditsa chokwadi
Ichokwadi
Hapana munhu wenyama anotonga
Saka Mwari ndovanotonga
Nyangwe muchida zvenyu kunditonga
Munondiona kunge ndinopenga
Ndikataura munoti hapana chinozikanwa
Saka ndangoti muzive
Kuti inini
Kana ndafa ndoda mugoziva
Ndapinda muguva
Zvimwe zvamaiudzwa aiva manyepo
Apa ndivo futi vatumira mamhepo
Vavengi, Vavengi
Kana ndafa ndapinda muguva
Ndoda mungoziva
Zvimwe zvamaiudzwa aiva manyepo
Asi ndivo futi vaindi tumira mamhepo, mamhepo
Kungoti chete munhu kana munhu wodonha unoita kunge usina chawaimbogona
Ende uchisangana netsaona
Mota dzako uchifamba pamwe uchi spinner
Eh vachiplanner kutokurova kunge pena
Ende pese pawakena vaida kungoona zvinhu zvako zvichi turner
Asi iwe uchi entertainer
Ende kungoti ndinotemba naMwari
Ndine faith
Ivo vane little faith
Saka ndiri kumberi kwavo
Chero vachizviita ndana Mwari
Mwari kudenga vanoona
Ndachema handina chandotya
Kana ndafa ndaenda
Ndapinda muguva
Zvimwe zvamaiudzwa aiva manyepo
Apa ndivo futi vatumira mamhepo
Vavengi, Vavengi
Kana ndafa ndapinda muguva
Ndoda mungoziva
Zvimwe zvamaiudzwa aiva manyepo
Asi ndivo futi vaindi tumira mamhepo, mamhepo
Chandinoziva munhu wese azvarwa changosara kufa
Nyangwe vasina kuona pandai suffer
Asi mutumbi wangu pamuchaushafa
Mozovaudza kuti Sauro i gafa
Chaingomhanywa chingoma ichi
Chingoma ichi
Mangoma chinomagona mangoma Chibaba!
Hapana kuda kuzvininipisa
Vamwe vanondichipisa
Ndanga ndakuda ku deepisa
Paye pamunondiipisa
Ndinochigona chibasa ichi
Ndicho changu chibasa ichi, chingoma ichi
Kana ndafa ndoda mugoziva
Ndapinda muguva
Zvimwe zvamaiudzwa aiva manyepo
Apa ndivo futi vatumira mamhepo
Vavengi, Vavengi
Kana ndafa ndapinda muguva
Ndoda mugoziva
Zvimwe zvamaiudzwa aiva manyepo
Asi ndivo futi vaindi tumira mamhepo, mamhepo
Written by: Soul Musaka
instagramSharePathic_arrow_out􀆄 copy􀐅􀋲

Loading...