album cover
Razaro
album cover
Razaro was released on July 21, 2026 by 12504502 Records DK as a part of the album Razaro - Single
July 21, 2026
Label12504502 Records DK
LanguageEnglish
BPM90
Melodicness
Acousticness
Valence
Danceability
Energy

Lyrics

Teerera
Nyaya yangu inorwadza
Asi moyo unoda zvaunoda
Hayiwa ndingori razaro
Tiri nyika mbiri dzakasiyana
Asi moyo unoda iwewe
Mwana wamambo
Ganda rako rinopenya
Sezuva roda kudoka
Mafambiro ako
Uchibva kurwizi
Chirongo chakati twii
Mumusoro
Ndashaiwa pekubata
Hayiwa ndingori razaro
Tiri nyika mbiri dzakasiyana
Asi moyo unoda iwewe
Mwana wamambo
Vana vemadzimambo
Vakamirira kukuroora
Vane pfuma yakakura
Asi ndiri tsuro yemubhuku
Mambo kana akazviziva
Anogona kundicheka musoro
Ndirikutamba nezimbe rinopisa
Hayiwa ndingori razaro
Tiri nyika mbiri dzakasiyana
Asi moyo unoda iwewe
Mwana wamambo
Vanoti ndiri kutamba nemoto
Asi handina basa nazvo
Ndichatsva nekuda kwako
Moyo wangu wakasindimara
Unoda iwe chete
Kunyangwe rufu rwakandimirira
Ndichakuda kusvika pakuguma kwenyika
Hayiwa ndingori razaro
Tiri nyika mbiri dzakasiyana
Asi moyo unoda iwewe
Mwana wamambo
Mwana wamambo
Ndiri razaro
Ndicharamba ndichitamba nemoto
Kusvika kumagumo
Uri wangu
Nyeredzi yangu
Written by: O’Brien Methuselah Kanyandu

Loading...