音乐视频

音乐视频

制作

歌词

ChiExtra
ChiExtra
Hai, vatipe Oskid
Mangoma aya ndabva nawo Nyikadzimu
Anga achitambwa naVadzimu
Ndabva ndati ndimaunze pasi rino
Abva avachemedza samariro
Ndini Gombwe remangoma
Gafa rinobata matare engoma
Pandinodzvova voti ndogona
Ndini ndoita kuti vafare nengoma
Ngoma pandinodzitekenya-tekenya
Makwati opinda, zvino ndakutetena
Pandinodzitekenya-tekenya
Makwati opinda, zvino ndakutetena
Varikuzama kundikopera
Hazvikete ndinopoterwa
Hanzi chiGafa zvachinobhowera
Ndechekuti pangoma chinoomberwa
Ndaratidza unyanzvi pakubata masuwo
Handina kutanga nezuro
Ndavaoneswa kumakope vati zvinoita Gafa tozvida nesuwo
Vamwe vane machira, vamwe vane nguwo
Havakwanise kubata dare havana bvumo
Ini pandinoribata sechiGafa
Yava nguva yebasa hapana hurukuro
Ndini Gombwe remangoma
Gafa rinobata matare engoma
Pandinodzvova voti ndogona
Ndini ndoita kuti vafare nengoma
Ngoma pandinodzitekenya-tekenya
Makwati opinda, zvino ndakutetena
Pandinodzitekenya-tekenya
Makwati opinda, zvino ndakutetena
Pakushava ngoma ndodzibata samare
Handisi shavi rakapoya matare
Ridza hosho nengoma ndoisa gitare
Bikai doro toita vanhu vafare
Ndava kuda kusvika saka isai maoko
Ndava kuda kusvika saka isai maoko
Kuna Musikavanhu takuteura
Ipai mwana usavi ngaasatemura
Makamubvisa mhepo makamuchenura
Ikozvino maDzimbahwe omuyemura
Ndini Gombwe remangoma
Gafa rinobata matare engoma
Pandinodzvova voti ndogona
Ndini ndoita kuti vafare nengoma
Ngoma pandinodzitekenya-tekenya
Makwati opinda, zvino ndakutetena
Pandinodzitekenya-tekenya
Makwati opinda, zvino ndakutetena
(Ndini Gombwe remangoma)
Gafa rinobata matare engoma
(Pandinodzvova voti ndogona)
Ndini ndoita kuti vafare nengoma
Ngoma pandinodzitekenya-tekenya
(Zvino ndakutetena)
Pandinodzitekenya-tekenya
(Zvino ndakutetena)
(Ndini Gombwe remangoma)
instagramSharePathic_arrow_out

Loading...