音乐视频

音乐视频

制作

出演艺人
Mark Ngwazi
Mark Ngwazi
表演者
作曲和作词
Mark Ngwazi
Mark Ngwazi
词曲作者

歌词

Chinhu chikuru chakaipa pasi nekudenga
Kuparadzana pahukama nekuda kwemutorwa
Chinhu chikuru chakaipa muhupenyu
Kuvenga hama nekuda kwemutorwa
Angave anorwara nepfungwa asika hama inokosha
Kunyangwe angave musope iganda zvaro hama inokosha
Shanyiranai, muchiwirirana murege kuteerera makuhwa evatorwa
Shanyiranai, muchiwirirana murege kuteerera makuhwa evatorwa
Kuchechi kuchechi, zvemisha ndezvemisha
Mufundisi ngavarege kupinzwa nyaya dzehukama
Kubasa kubasa, zvemisha ndezvemisha
Ko manager vapinzwa nani munyaya dzehukama
Musaite waziva kwake waziva kwake matoto echapungu
Musaite waziva kwake waziva kwake matoto echapungu
Mufudzi wemombe kunyangwe akadzora mombe sei
Haafe akaita mwana waamai vako
Shamwari yako kunyangwe ikava nemari hobho
Haafe akaita mwana waamai vako
Vana baba venyu vaiwirirana, imi matoodza aniko
Kurimirana muganhu kunopawo vavengi mikana
Hukama (Nelson Kamumvuri) haugezwi setsvina, inzwanaiwo
Hukama (VaMangiza) haugezwi setsvina, inzwanaiwo
Imbwa mbiri (Choto kuJoza)
Imbwa mbiri hadzitorerwe nyama, inzwanaiwo
Chara chimwe (Shungu Chinyundo)
Chara chimwe hachitswanyi inda, inzwanaiwo
Vana vangadzidze sei vabereki muchivengana
Vana vangadzidze sei vabereki muchivengana
Chechi nyangwe dzikasiyana asi Mwari mumwechete
Ropa rimwe inzwanaiwo
Chechi nyangwe dzikasiyana asi Mwari mumwechete
Ropa rimwe inzwanaiwo
Vamwe vangaende kwaMagaya, vamwe kwaMakandiwa
Vamwe kwamadzibaba Mozi
Asi Mwari mumwechete, ropa rimwe inzwanaiwo
Vamwe vangaende kwaMatewu
Vamwe kwaMadzibaba Simba, vamwe kuZaoga
Asi Mwari mumwechete, ropa rimwe inzwanaiwo
Vamwe vangaende kwaMugodhi
Vamwe kwaManhango, vamwe kwaKuruga
Asi Mwari mumwechete, ropa rimwe inzwanaiwo
Kana ndichikushanyirawo Thomas Muwandi
Handivingi sadza kwangu rizere
Kana ndichikushanyirawo Jona Musariri
Handivingi sadza kwangu rizere
Kana ndichikushanyirawo Phinel Zariro
Handivingi sadza kwangu rizere
Chandinonge ndichitoitira veduwe hukama hunokosha
Ukatadzirana nemukoma itanaiwo sorry sorry
(Itanaiwo sorry sorry, itanaiwo sorry sorry)
Ukatadzirana nemunin'ina itanaiwo sorry sorry
(Itanaiwo sorry sorry, itanaiwo sorry sorry)
Ukatadzirana nehanzvadzi itanaiwo sorry sorry
(Itanaiwo sorry sorry, itanaiwo sorry sorry)
Ukatadzirana nemukuwasha itanaiwo sorry sorry
(Itanaiwo sorry sorry, itanaiwo sorry sorry)
Written by: Mark Ngwazi
instagramSharePathic_arrow_out

Loading...