音乐视频
精选于
Oliver “Tuku” Mtukudzi 的热门歌曲
类似歌曲
制作
出演艺人
Oliver “Tuku” Mtukudzi
原声吉他
Albert Kapondoro
低音吉他
Chibindi
演唱
K.Farquharson
键盘
Mary Bell
演唱
Philani Dube
吉他
Sam Mataure
鼓
作曲和作词
Oliver “Tuku” Mtukudzi
词曲作者
歌词
Haiwaiwa haiwaiwa
Ndozviudza aniko kuti paita mabasa pano?
Tumirai mhere kuvakuru kuno kwaita mabasa
Ndozviudza aniko?
Kwagugudzika vakuruwe kwaita mabasa kuno
Haiwaiwa kwaita mabasa kuno
Misodzi yapera hapana vachachema
Zvava kurwadzira mumoyo chinyararire (chinyararire)
Iko kubata maoko hakuchina chiremerera
Kwafumuka uku zvichabatsireiko (kwafumuka)
Hauzi uchenjeri kusara takararama varume
Kana kuri kungwara uku tichavigwa naniko? (Nani?)
Ah ha ndozviudza aniko kuti paita mabasa pano?
Tumirai mhere kuvakuru kuno kwaita mabasa
Ndozviudza aniko?
Kwagugudzika vakuruwe kwaita mabasa kuno
Haiwaiwa kwaita mabasa
Misodzi yapera hapana vachachema
Zvava kurwadzira mumoyo chinyararire (chinyararire)
Iko kubata maoko hakuchina chiremerera
Kwafumuka uku zvichabatsireiko (kwafumuka)
Hauzi uchenjeri kusara takararama varume
Kana kuri kungwara isu tichavigwa naniko?
Achachema mumwe ndiani?
Achanyaradza mumwe ndiani?
Achabata maoko mumwe ndiani?
Iwe wafirwa ini ndafirwa
Zvino achachema mumwe ndianiko mukuruwe?
Firo yavako makore ano kana ndiyo mhedzisiro yenyika
Achachema mumwe ndiani?
Achanyaradza mumwe ndiani?
Achabata maoko mumwe ndiani?
Nhai vakuruwe vakuruwe
Hoo vakuruwe vakuruwe
Inga paita mabasa pano
Tumirai mhere kuvakuru kuno kwaita mabasa
Ndozviudza aniko?
Kwagugudzika vakuruwe kwaita mabasa kuno
Haiwaiwa kwaita mabasa
Pwere dzotungamira
Mushandi otungamira sare chembere neharahwa
Zvino achavinga mumwe ndiani?
Achabata maoko mumwe ndiani?
Achachema mumwe ndiani?
Iwe wafirwa ini ndafirwa
Zvino achachema umwe ndianiko?
Nhai vakuruwe vakuruwe?
Hoo vakuruwe vakuruwe
Nhai vakuruwe vakuruwe
Inga paita mabasa pano
Tumirai mhere kuvakuru kuno kwaita mabasa
Ndozviudza aniko?
Kwagugudzika vakuruwe kwaita mabasa kuno
Haiwaiwa kwaita mabasa
Misodzi yapera hapana vachachema
Zvava kurwadzira mumoyo chinyararire (chinyararire)
Iko kubata maoko hakuchina chiremerera
Kwafumuka uku zvichayamureiko (kwafumuka)
Hauzi uchenjeri kusara takararama varume
Kana kuri kungwara isu tichavigwa naniko? (Nani?)
Ah ha ndozviudza aniko kuti kwaita mabasa pano?
Tumirai mhere kuvakuru kuno kwaita mabasa
Kwagugudzika vakuruwe kwaita mabasa kuno
Kwaita mabasa
Kwaita mabasa
Kwaita mabasa
Kwaita mabasa
Writer(s): Oliver Dairai Mtukudzi
Lyrics powered by www.musixmatch.com