制作
出演艺人
Blessing Shumba
表演者
作曲和作词
Blessing Shumba
词曲作者
歌词
Moyo wako mwanangu, ukava nouchenjeri
Nomoyo wangu, uchavawo nomufaro
Ndichadada newe, ndichavimba newe
Uchava chidadiso kunyika yowekwedu
Zita rakanaka rinokurisa rudzi
Mwanangu kani, mwananguwo
Mwanangu kani, mwananguwo
Ishe Jehovha vakupe njere nhasi
Uzive Mwari wokunamata
Uteerere inini ndakakubereka
Usazvidza mai vako
Hazvinei chero vachembera
Mwanangu kani, mwananguwo
Mwanangu kani, mwananguwo
Baba vowakarurama vachafadzwa naye
Mai vowakachenjera vachafara kwazvo
Mwanangu kani, mwananguwo
Mwanangu kani, mwananguwo
Usava pakati pavo vanokarana vamwe
Mumwi neanemadyo vachava varombo
Idzo hope dzinopfekedza mamvemve
Mwanangu kani, mwananguwo
Mwanangu kani, mwananguwo
Madzimambo anobata vushe
Vanobata neuchenjeri
Vabati vanotonga vanhu panyika
Vanotonga nouchenjeri
Zvinokosha, zvakaisvonaka
Zvinobvepi?
Zvinobva pauchenjeri
Dzimba dzomukati dzizere zvinokosha
Zvakabvepi?
Vakashandisa huchenjeri
Mwanangu kani, mwananguwo
Mwanangu kani, mwananguwo
Iwe tenga zvokwadi, urege kuzoitengesa
Tsvaka uchenjeri, urege kuzohurasa
Dzidzo nenjere ndizvo zvinovaka munhu
Mwanangu kani, mwananguwo
Mwanangu kani, mwananguwo
Wangova wakachenjera Mwari ndicharumbidza
Wava wakachenjera Mwari tichatenda
Wangova wakachenjera Mwari ndicharumbidza
Wava wakachenjera Mwari tichatenda
Ndichavonga Ishe ndoti
Baba mwana ndinaye
Moyo wako mwanangu, ukava nouchenjeri
Nomoyo wangu, uchavawo nomufaro
Ndichadada newe, ndichavimba newe
Uchava chidadiso kunyika yowekwedu
Zita rakanaka rinokurisa rudzi
Mwanangu kani, mwananguwo
Mwanangu kani, mwananguwo
Written by: Blessing Shumba