Songtexte

Usazovata sedahwa Kana kusvetuka ruzhowa Unongokumbirawo kundiso Shiri yakangwara inorambiramo Mudendere Shamiso Usarivara mwanasikana Ukangodaro toti zvaringana Wapona wagona Ukaita chingwendere chemashanga Vanokubata vokusiya vokangwana Chakachenjedza ndicho chakatanga Usangomhanyira kubuda munhanga Mudendere Shamiso Usarivara mwanasikana Ukangodaro toti zvaringana Wapona wagona Ndakakurumura pakuyamwa Ndakakurumura pakuyamwa Kunze kwekunge ari mahumbwe Hakuna mwana anoita mai Woratidza kukosha kwehumhandara Toti hoooo-o Urishasha uchirimwana Kunyangwe zvazvo Ndakakurumura pakuyamwa Humhandara idamba kwamwe Nokudaro kudzikama Ndiyo nzira imwe Takabva neko Kare kare Mwanangu muzivi wenzira Yeparuware ndiye mufambi wayo Mangwana Tichazosairira semombe Mangwana Uchava chimhandara sevamwe Mangwana Pauchagona kuzvirongera wega Mangwana Wapona wagona Mangwana Handingazofara kukandira mhodzi Paruvare pasingakudze rudzi Wandakabara ndiye wandipa misodzi Kuyambuka Inzira ibodzi Haungazofara here kunzi nyeredzi Inovhenekera marudzi ne ndudzi Wagona wapona Ndakakurumura pakuyamwa Ndakakurumura pakuyamwa Kunze kwekunge ari mahumbwe Hakuna mwana anoita mai Woratidza kukosha kwehumhandara Toti hoooo-o Urishasha uchirimwana Kunyangwe zvazvo Ndakakurumura pakuyamwa Humhandara idamba kwamwe Nokudaro kudzikama Ndiyo nzira imwe Takabva neko Kare kare Mwanangu muzivi wenzira Yeparuware ndiye mufambi wayo
Writer(s): Mukudzeyi Mukombe Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out