가사

Rare Muzik Haa TiGonzi kana wazogara Pane song yawakaita inonzi 'Madhunamutuna' Haa song iyoyo yakaipa baba Because ukatarisa zvirikuitika pasi rino rese ka Haa zvinhu zvacho zvakangooma Unogona kutonzwa kuti, kana kuti Mdhara ari kurara nemwana wake Unogona kunzwa kuti kana kuti Hanzvadzi nehandzvadzi vane mwana Ende zveshuwa pandakanzwa song iya Ndakanyatsoona kuti, ahh, baba mune chipo mdhara Mune chipo, ende unonyatsonzwa kuti Zvinhu zvawaitaura zviri real, zviri kutoitika Haa inondibata song yekuti 'Madhunamutuna' (Imwe mbeu) zvotoita kuno, zvotoita kuno, zvotoita kuno (Zvobaya kunge pfumo) Zvotoita kuno (Infinity ha-ha-ha) zvotoita kuno zvotoita kuno (Aya ndiwo magumo) Zvotoita kuno (iyaho) zvotoita kuno (iyaho) zvotoita kuno (Iyahonde, pasina mvumo) Zvotoita kuno (iyaho) zvotoita kuno (iyaho) zvotoita kuno isu (Iyahonde ndoya tsumo) Zvotoita kuno (iyaho) zvotoita kuno (iyaho) zvotoita kuno imi (Unokanda mapfumo) aiwa, ah (Herere, herere pakuitika madhunamutuna) Vanhu vose vozviita ana muzvina fundo (Herere, herere pakuitika madhunamutuna) Pasi parohwa nesando, pasi parohwa nenyundo We party all night (all night, all night) sleep all day (sleep all day) Izvo zvirwere zvatadzwa nema-Doctor, Sly kana Dre (kana Dre) Mabhebhi achitengesa (hanzi), hanzi, "Tiri OK" Chero kusina bhora, zuva haripere usina kuona Mugeyi I can't believe this, chingwa chiripo, but hapachisina piece Vamwe vatova ma-earthist, kuzviita varidzi ve-Earth Zvondi-shocker Chris Maskero tinawo but takuenderera (ah) Hatisisina kana chinhu chinoyera (ah) Hutaurirwa hunyimwa, huyai muzvionere (please) Varoyi vawanda, mapere haapere (imi) Makatisika newenyu nemufananidzo, Mwari Asi takunamata mifananidzo, Mwari Aya ndoo madhunamutuna, makuna-kuna But hakuna, hakuna Infinity (Herere, herere pakuitika madhunamutuna) Vanhu vese vozviita ana muzvinafundo (Herere, herere pakuitika madhunamutuna) Pasi parohwa nesando, pasi parohwa nenyundo Iyi ihondo, matroops achiitwa let loose Hazvisisiri izvo tozviona paNews Whole world kupfeka mask, nekuda kwe-Corona But look we (look we) thought Hakuna zvimwe zvirwere zvichazongonyuka bvunzai kwaMunyukwi Takungoudzwa nezve ma-rights, boys, ma-rights marudyi Muporofita uko, nánga uko, vachiudzana kuti, "Handikutyi" Mupfumi achiita mari, ashandirwa nevarombo Hatichakandirana mari, takukandirana matombo Nehanda Nyakasikana, Zambezi to Limpopo Vakugova vega, munda wamakasiya riri gombo Ndikakuudzai zvavakandiita, munochema Ndirikumisidzana nevanhu vanorema Ndikakuudzai zvese ndozoita hwaMaskiri Wekunzi, "Ifodya dzipi dzauri kubhema?" Ndochema nemi Mwari, pamuri ndiri dependent Satan ndichamu-raver pandichaita Reverend (Herere, herere pakuitika madhunamutuna) Vanhu vese vozviita ana muzvina fundo (Herere, herere pakuitika madhunamutuna) Pasi parohwa nesando, pasi parohwa nenyundo (Teteguru woye) Ingori herere, herere, herere, herere (Teteguru woye) Angori mangwenjere, ngwenjere, ngwenjere, ngwenjere (Teteguru woye) Ingori herere, herere, herere, herere (Teteguru woye) Angori mangwenjere, ngwenjere, ngwenjere, ngwenjere (Herere, herere pakuitika madhunamutuna) Zvotoita kuno (Pakuitika madhunamutuna) (Herere) zvotoita kuno (herere pakuitika madhunamutuna) Zvotoita kuno imi Ehe asi unofanirwa kugara uchingoziva kuti Comic Pastor ndivo mambo we-HipHop
Writer(s): Ernest Mabika Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out