Music Video

Winky D-Ijipita
Watch {trackName} music video by {artistName}

Credits

COMPOSITION & LYRICS
Tawanda Sibotshiwe
Tawanda Sibotshiwe
Songwriter
Wallace Chirumiko
Wallace Chirumiko
Songwriter

Lyrics

Gafa, Gafa Gafa zvekare Jusa Pandinomuka mangwanani Ndinozvitarisa pagirazi Hakuna ini arinani Mangwana ngaasiyane nanhasi Kutsvaga manake Kuti mhuri irarame Aiwa harisi dambe Ndatemba tsoka rega ndifambe Bvisai rima pamberi pangu Isai chiedza ndifambe zvangu Hupenyu ndishande hwangu Ndakanda nhanho ndabvisa shangu Ijipita, Ijipita Ijipita, Ijipita Bye-bye ndakukanda nhanho Canaan tapinda-tapinda Ijipita, Ijipita Ijipita, Ijipita Bye-bye ndakukanda nhanho Canaan tapinda-tapinda Tavakusiya musha kufamba mamaira Vakomana kuchikaira Tabvunza zvirimberi, hakuna adaira Totungamirwa nepasi ndipe nhekwe iya Zvinodzimba asi rega ndireve Ukasadikitira hauseve Tavakutsvaga zvakafa zvega Kuvhima kweasina uta nemuseve Ndoenda-ndoenda, ndoenda-ndoenda Ndoenda ndega kusina mhai Ndoenda-ndoenda, ndoenda-ndoenda Handina mufudzi ndingori hwai Bvisai rima pamberi pangu Isai chiedza ndifambe zvangu Hupenyu ndishande hwangu Ndakanda nhanho ndabvisa shangu Ijipita, Ijipita Ijipita, Ijipita Bye-bye ndakukanda nhanho Canaan tapinda-tapinda Ijipita, Ijipita Ijipita, Ijipita Bye-bye ndakukanda nhanho Canaan tapinda-tapinda Hupenyu makata Hausi mutserendende Ukaramba wakavata Ndiani achavhara vende? Pane vamwe chingomira-mira Kumavave kwavanonwira-nwirwa Panganai zano monoteya riva Ndafunga kuyambuka ini ndobira dziva Ndoenda-ndoenda, ndoenda-ndoenda Ndoenda ndega kusina mhai Ndoenda-ndoenda, ndoenda-ndoenda Handina mufudzi ndingori hwai Bvisai rima pamberi pangu Isai chiedza ndifambe zvangu Hupenyu ndishande hwangu Ndakanda nhanho ndabvisa shangu Ijipita, Ijipita Ijipita, Ijipita Bye-bye ndakukanda nhanho Canaan tapinda-tapinda Ijipita, Ijipita Ijipita, Ijipita Bye-bye ndakukanda nhanho Canaan tapinda-tapinda Ndapinda Canaan Kupinda ini ndapinda Ndapinda Canaan Aiwa ini ndapinda
Writer(s): Tawanda Sibotshiwe, Wallace Chirumiko Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out