Lyrics

Maihwi Ndanzwa mhere kurira (mhere kurira) Tasiya pane watakunofushira (watakandofushira) Ndiani watungamira? Ndiani wafunga kunotichenesera nzira? (kuchenesa nzira) Hazvitidzimbe nyama (aiwa) Zvinotidzimba pakati pehana (pakati pehana) Chekuita hapana (hapana) Kwava kungomirira mhere yamangwana (mhere yamangwana) Munotipfuudzirei nepanorwadza moyo? (Dairai Waro) Munotipfudzirei kune nzira iyoyo? (Nzira idondo) Baba nditakurei (Baba nditakurei) Ishe nditakurei (Ishe nditakure) Ndiyambutsei (ndiyambuke) Tenzi ndiyamurei (Tenzi ndiyamurei) Zvamatora ambuya, matora sekuru, hapana kacheche kauya Zvamatora mukoma, matora hanzvadzi, iyi nhamo handichaigona Misodzi yandachema ndazadza gungwa Tumirai ngirozi, ini dzonditakura Iri ngozi dai paita atsanangura Iyi njodzi yandikurira, amai ndagura Ndiani achandiraira? (-raira) Hama dzepedyo matsvaira Ndaisimbofunga ndichajaira Wedenga dai mandidaira (dairai waro) Munotipfuudzirei nepanorwadza moyo? (Dairai Waro) Munotipfudzirei kune nzira iyoyo? (Nzira idondo) Baba nditakurei (Baba nditakurei) Ishe nditakurei (Ishe nditakurei) Ndiyambutsei (ndiyambuke) Kumakuva (eh) yakunge nzvimbo yekutandarira (yekutandarira) Nguva nenguva tongowanikwa tichidzoka setateya riva (Dzoka setateva riva) Ndanzwa mhere kurira (oh) Tasiya pano watakunofushira (watakunofushira) Ndiani watungamira? Ndiani wafunga kunotichenesera nzira? (Kuchenesa nzira) Hazvitidzimbe nyama (aiwa) Zvinotidzimba pakati pehana (pakati pehana) Chekuita hapana (hapanaba) Kwava kungomirira mhere yamangwana (mhere yamangwana) Munotipfuudzirei nepanorwadza moyo? (Dairai Waro) Munotipfudzirei kune nzira iyoyo? (Nzira idondo) Baba nditakurei (Baba nditakurei) Ishe nditakurei (Ishe nditakurei) Ndiyambutsei (ndiyambuke) Tenzi ndiyamurei (Tenzi ndiyamurei) Munotipfuudzirei nepanorwadza moyo? (Dairai Waro) Munotipfudzirei kune nzira iyoyo (nzira idondo) Baba nditakurei (Baba nditakurei) Ishe nditakurei (Ishe nditakure) Ndiyambutsei (ndiyambuke) Tenzi ndiyamurei (Tenzi ndiyamurei) Munotipfuudzirei nepanorwadza moyo? (Dairai Waro) Munotipfudzirei kune nzira iyoyo? (Nzira idondo) Baba nditakurei (Baba nditakurei) Ishe nditakurei (Ishe nditakurei) Ndiyambutsei (ndiyambuke) Tenzi ndiyamurei (Tenzi ndiyamurei) Munotipfudzirei nepanorwadza moyo? (Panodzimba moyo)
Writer(s): Oliver Dairai Mtukudzi Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out