Lyrics

(Hazvina bopoto) (Hapana bopoto) Mapfihwa anebasa pachoto Huniwo dzine basa muchoto Nehari yacho ine basa pamoto (Hazvina bopoto) (Hapana bopoto) Mapfihwa matatu, haasi mukuru (Harisi bopoto) Kana huni dziwande sei, hadzisi mukuru (Harisi bopoto) Iyo hari kudengezerwa, haisi mukuru iyi (Harisi bopoto) Koo nhai munhu, haudzidze neiko zvisina bopoto? (Hazvina bopoto) Iwewe munhu haufunde nei, zvisina bopoto izvi? (Hazvina bopoto) hoo babawe kani (Hazvina bopoto) (Hapana bopoto) Mapfihwa kugumhana, kusekererana (Hazvina bopoto) Kunzwa huni kubarika kusekererana (Hazvina bopoto) Kana hari painokwata, kusekererana (Hazvina bopoto) Hoo babawe kani (Hapana bopoto) Iwewe, munhu haufunde nei, zvisina bopoto? (Hazvina bopoto) hauna bopoto (Hapana bopoto) Pfihwa, huni dzine moto, kupisa hari pasina bopoto (Hazvina bopoto) Pfihwa, huni dzine moto, kupisa hari zvisina bopoto (Hazvina bopoto) Iyo hari yozvigamuchira, pasina bopoto (zvisina bopoto) (Hazvina bopoto) Hari yozvigamuchira, zvisina bopoto (zvisina bopoto) (Hazvina bopoto) Koo nhai munhu, haudzidze neiko zvisina bopoto? (Zvisina bopoto) Iwewe, munhu haufunde neiko pasina bopoto? (Zvisina bopoto) Koo kuwirirana, vamwe zvisina bopoto? (Zvisina bopoto) (Hazvina bopoto)
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out