Lyrics

Ndangariro kufunga ini Nyika yeZimbabwe Ndorara ndichifunga ini Mhuri yeZimbabwe Pfungwa dzinondinetsa ini Kwandiri kure Hama musandicheme ini Ndiri kuuya Kungava kufunga chete Hama kumusha Kugara ndichingochema Misodzi baba Kana ndorangarira Zimbabwe Kana ndofunga ini Harare Kana ndorangarira Bulawayo Kana ndofunga ini Gweru Kana ndorangarira Kwekwe Kana ndofunga ini Kadoma Kana ndorangarira ini Mai vangu kumusha Ndakavasiya Kare Kare Vanondichema Patiri neChimurenga Ndovimba nemi Pose pandinofamba ini Ndofamba nemi Zvinoda kushinga chete Tibudirire Zviroto nendangariro Zvinondinetsa Kana ndorangarira Chegutu Kana ndofunga ini Chinhoyi Kana ndorangarira Marondera Kana ndofunga ini Rusape Kana ndorangarira Mutare Kana ndofunga ini Masvingo Ndinokukwazisai mose Mhuri yeZimbabwe Tinoti makadii mose Tiri kuuya Ndiri mwana wemughetto ini Munozviziva Hama neshamwari dzangu Vanondifunga Chokwadi ndavasuwa ini Ndavasiya kare Kunyange zvangu ndiri kure Handikanganwe kumusha Nokudawo kwake Mwari Tichaonana Chimwechete chinondibaya Ipfungwa dzangu Kana ndorangarira maghetto Kana ndofunga ini Mbare Kana ndorangarira Fio Kana ndofunga ini Mabvuku Kana ndorangarira Mufakose Kana ndofunga ini Chitungwiza Tinokukwazisai mose Mhuri yeZimbabwe Tinoti makadii mose Tiri kuuya
Writer(s): Thomas Mapfumo Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out