Lyrics

Pamusoroi Soroi Karwiyo, karwiyo kanyoronyoro kanenge donje Kamuri kunzwa kakanditsigira Handingati ndekekutukana, kwete, bodo, tsvo, ah ah Asi kutoti kanotsiura Kuti kana uri muyenzi, iva muyenzi! Hazvinei kuti kwawavhakacha Muzukuru wako, munun'una wako Angave sahwira anoshoreka zvakadini Ringave roja, iwe uchibva sabhabha Ukangova muyenzi, chiva muyenzi! Haikona yenyu iya iya Yenyu iya yekuti katongero kunoita uri kwako Ndokowoda kusvikoita pese pese Zvino pano pari pangu, tinoburana, tomutsana! Kunyanya nyanya iyemi Iyemi vemudhuze, iyemi vehama Ndimi munoti kana motaura Mobva mange muri kudivi kwangu "Ko nhai iwe Tuku, ivo vepanext door Zvamunocheka hedge vachikanda marara kwenyu kunoku Munombogarisana sei?" Ahh ndozvawavinga? Tomutsana, toburana! Vehamawe, vehamawe Musakanyane nemuvakidzani wangu Kwamugere kure kure Vehamawe, vehamawe Musakanyane nemuvakidzani wangu Kwamugere kure kure Chinouya chinoona inini Kwekupotera kumuvakidzani Kwamugere kure kure Chinouya chinoona inini Mafuratira marova Kwamugere kure kure Chinhambwe! Musazvirove matundundu Kushambadza wedu haanzwaro Kwamugere kure kure imi Musazvirove matundundu Kushambadza wangu haanzwaro Kwamugere kure kure Chinhambwe! Vehamawe vehamawe Musakanyane nevavakidzani wangu Kwamugere kure kure Vehamawe vehamawe Musakanyane nevavakidzan-
Writer(s): Oliver Dairai Mtukudzi Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out